Mbudzi
(runangakatsva kubva kuMbocho)
Mbudzi (goat in English) imhuka inopfuyiwa pamusha. Mbudzi dzinowanikwa Pasirose dziine mhando dzakasiyana-siyana. Mbudzi dzinochengeterwa nyama uye mukaka wadzo. Kunonzi mbudzi dzinopa chikamu chemukaka chinokwana 2% wemukaka unodyiwa nevanhu Pasirose.
Mbudzi nzvari inotakura nhumbu kwemazuva 150.
Tsika
chinjirudzaMazita anojekesa
chinjirudza- Nhongo zvinoreva mbudzi hono yakachekwa.
- Nhunzwi zvinoreva mbudzi hadzi.
- Gotora, gweme, mbocho, goko, gotokoto kana mugotora (ram) rinoreva mbudzi hono isina kuchekwa.
- Mbudzana (kid) rinoreva mwana wembudzi.
- Muchaza, musana kana bvuwo (1. Afterbirth of animal)
- Mugaranhoko kana muchaza (Rectum of goat or sheep).
- Muzariro kana mujariro (One of bars for closing entrance to an enclosure e.g. for goats). Kujara - zvichida ndipo panobva mazita anoti Nyakujara naNyamujara?
- Chirengwa kana murengwa (Small, drooping, pendant object e.g glandular growth on goat's throat).
- Gore (n. Goat’s kraal) kureva chirugu chmbudzi.