Rukweza

chirimwa
(runangakatsva kubva kuMhewana (rukweza))

Rukweza (finger millet) idzinde rinenge huswa rinembeu dokosa dzinodyiwa. Dzinde iri rinoshandiswa sekudya kwezvipfuyo, nokubikiswa sadza nedoro. Mamwe mazita anoshanda ndeekuti njera kana mungoza.

Rukweza mumunda

Muno muAfrica rukweza rwakawandira kuNigeria, Niger, Mali, Senegal neBurkina Faso. Rukweza runorarama munzvimbo dzinopisa dzisina mvura yakawanda, runorarama makore enzara.

Mamwe maDuramazwi anoti zviyo riturikirwe kunzi grain in general, kureva mbesa dzose dzinorimirwa kuti dzigodyiwa tsanga. Mamwe mazita erukweza anonzi: rapoko, zviyo kana mungoza. MuZimbabwe rukweza runorimwa kuChipinge, zvikurusei kumaruwa eChikore, uye kune mamwemaruwa ari mudunhu reMurehwa.

Mhando dzerukweza chinjirudza

  • Izwi rokuti zengwe (millet) rinotaurwa kuKalanga.
 
Kurima rukweza kunokurudzirwa nemasangano ebudiriro

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Njera (the day's portion of grain).
  • Dzinda (A little on grinding stone)
  • Muchokotwa (abundance of grain).
  • Koto kana makoto (empty ears of finger millet) zvichireva hura hwerukweza husisina mhodzi mushers mekupura. Vanokotorodza makoto mushure mejakwara.
  • Hura (ears of millet or sorghum) kutaura nhengo dzakabata mhodzi dzerukweza kana mapfunde.
  • Shiri dzinomhumha pamurwi werukweza. Kumhumha zvichireva kumomotera.
  • Mande (1. Black Finger millet grains; 2. Particle of crushed grain).
  • Jekechera (Stalk-flowering. Rukweza namapfunde nemhunga nechibage zvinoita jekechera, asi nyimo nenyemba nenzungu zvinoita maruva.

Tsumo chinjirudza

Njera yomusaririra ndiyo yeshiri. The grain left in the (field) is for the birds.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Izwi rokuti kuhola kana kuhula (thresh, harvest millet, peas etc.) rinotaurwa mururimi rweMaconde.
  • Vatauri veChewa vanoti mapira (millet, sorghum (mapfunde)).
  • Vatauri veLunyoro vanoti omugusa kana obura (millet) kureva rukweza.
  • VaDigo vanoti muhama (millet) vachireva rukweza?.