Zamu
(runangakatsva kubva kuMunyatso)
Muchidzidzo chezvipenyu, mazamu inhengo dziri padundundu revakadzi dzinogadzira mukaka mushure mokunge mwana azvarwa. Mazamu ane tsatsadzi dzinotora chikafu chiri muropa raamai dzichigadzira mukaka wemwana.
Mutsika dzemarudzi mazhinji mazamu anowonekwa sezvishongo zvinoyevedza pamuviri wemukadzi. Kunyika dziri kuEurope mamwe madzimai anotora mari zhinji kuenda kunovandudza chimiro chemazamu avo kuti ave anoyevedza zvichienderana nemaonero avo.
- Matyaka, dombwe, madombwe kana manhombwe (First beestings; colostrum) zvinoreva mukaka unotanga kubuda kana mwana azvarwa une ruvara rwakaita yellow.
- Nyatso, munyatso kana shungu (nipple, teat).
- Izwi rokuti nyasa (splatter or spray some liquid) rinotaurwa kuKalanga richireva kumwaya mvura kana chime chakaita semvura. Zvichida izwi iri rinokwanisa kuturikira chinonzi secrete kuEnglish.
.
Tsumo
chinjirudza- Chidamoyo zamu kumera pambabvu. Zvinoreva kuti munhu anoita zvaanoda kana zvaanenge afunga haafanirwi kuzorwadziwa nazvo nekuti ndizvo zvaanga achida.
- Ko kuti chigagairwa chemhandara zvinorevei?
Mitauro yeBantu
chinjirudza- Zigula vanoti nyato (nipples, teats) kureva nyatso. VaTumbuka vanoti bele (breast) kureva zamu.
- Lingala inoti libele kana mabele pakuwanda (breasts) kureva mazamu. Lingala vanoti mabele (milk) kureva mukaka.
- VaWanga vanoti olubeere (n. breast, udder of an animal) kureva zamu. Maconde vanoti livele (n. breast) kureva zamu.
- VaGanda vanoti kitanzi (n. nipple of the breast) vachireva munyatso. Shambala inoti tombo kana matombo (n. breast) kureva zamu.