Munhurume

(runangakatsva kubva kuMwamuna)

Munhurume, murume, mwamuna kana mamuna (man; male person) zvinoreva mukono wemunhu akura; kana ari mudiki anonzi mukomana. Asi shoko rokuti murume rinoshandiswazve kutaura chero mukono wemunhu zvisinei kuti ane makore mangani ekuzvarwa.

Mamwe Mazwi

chinjirudza

Kurerutsa Mutauro

chinjirudza
  • Murume waRudo anopfeka nguwani yedengezeze: a hat with a very broad brim.
  • Joshua Nkomo akazivikanwa mudengezeze renyika: he was known all over the country.
  • Chirume kufumira pachimwel kumuromo chakatakura. A man visiting another early in the morning must be (eager) to talk.
  • Kuzvara hakuna hombarume. To bear children needs no expert.
  • Murume akanaka.asiri wako. A man is attractive when he is not your husband.
  • Chirume igumbu chinoparukira kamwe. A man is like a sack, he bursts once (and for good).
  • Rume rimwe harikombi churu. (One person cannot do all things alone).

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaZigula vanoti chirume (n. male) kureva chirume. VaRwanda vanoti umugabo (husband) vachireva murume wemunhu. MaFwe vanoti obulume (n. manliness).
  • VaLenje vanoti mwanalume (n. man, a male person, a husband) kureva munhurume kana murume wemunhu. VaGikuyu vanoti murume (man) vachireva murume.
  • VaNyungwe vanoti mwamuna kana amuna kureva murume. VaWabo vanoti mulobwana kureva murume. Kinande vanoti omulume kureva murume.
  • VaSwahili vanoti ume (1. male, 2. fig. virile, courageous, strong, 3. of things. big, strong, firm, solid). VaGikuyu vanoti Mundu murume (male person) vachireva munhurume.
  • MaFwe vanoti mukwame (n. man) vachireva murume. VaYao vanoti mtonga (an eunuch). MaZulu vanoti umlisa (male person, male, able man).