Zvindeya muRuambanyeredzi

MuRuambanyeredzi (Nge. astrology) zvindeya zvinoshandiswa kumirira zvinhu zvakasiyana muhupenyu hwemunhu. Zvimwe zvinhu zvechadenga zvinosanganiswa muRuambanyeredzi zvisiri zvindeya iZuva ne Mwedzi, uye Rinopasi rinobviswa.

Ruambanyeredzi Zvichadenga neZvindeya.
Makwangwani ezvichadenga zvemu Ruambanyeredzi, asi Zuva (sol), Mwedzi (luna) hazvisi zvindeya. Uye, Rinopasi (terra) hirizimo muRuambanyeredzi

Ruambanyeredzi inotanga nezuva yoenda kuMwedzi yozo tanga kutarisa nekutsanangura zvindeya nesimba zvazvinazvo pamunhu nehunhu hwemunhu. Chindeya chimwe nechimwe chine chiratidzo (saini -> sign) chinobatanidzwa nacho (zvindeya zvinotonga masaini).

NyamatsatseChinjirudza

Nyamatsatse inotonga maratidzo maviri Mhandara kana Vhego (Virgo) na Mamanga kana Jemano (Gemini)[1], Unhongi maratidzo maviri Mhandara kana Vhego (Virgo) na Rongo kana Akwarisi (Aquarius). Muruambanyeredzi nyamatsatse inomirira njere (kana pfungwa; 'kuva nemusoro'). Saka inoratidza matauriro anoita munhu, mafungiro emunhu wacho nezvekuti anofunda sei uye zvekuti zvifundo zvinopinda sei muuropi.[1][2][3] Nyamatsatse inotaridza magadziriro nemasikiro atinoita zvinhu pachedu, nemafungidziro atinoita. Zvinhu zvakaita sekuti, tinonyora pasi tichifunga here, kana kuti, tinotaura kana tichifunga, uye kana kuti hatifunge zvakakwana kana kuti tinofungisisa, zvese zvinotaridzwa naNyamatsatse.[3]

Mashoko anobatanidzwa neNyamatsatse muruambanyeredzi:

  • kuva nemusoro; pfungwa
  • Matauriro emunhu
  • Njere
  • Kufunda (kana kudzidza)
  • Mafungiro, kunyora
  • Kuverenga
  • mangwariro emunhu
  • Mitauro; rurimi[1]

HwevaChinjirudza

Hweva muruambanyeredzi anotonga nyeredzi kana zviratidzo zviviri, Handira kana Torisi (Taurus) na Pima kana Ribhura (Libra)[1], Unhongi maratidzo Hove kana Paishisi (Pisces). Muruambanyeredzi Hweva anomirira runako, tunonaka, nekushamwaridzana. Hweva muchati (chart) yemunhu inoratidza tunhu tunofarirwa nemunhu iyeye nezvinhu zvaanenge achifunga kuti zvakanaka, uye zvinhu zvavanokwezva, uye mapindiro avanoita murudo.[1][2][4] Hweva ndevezvemufaro, kuda munhu nekudiwa, kukwezva nekukwezviva, kuroora, ushamwari nekupfava kwemoyo. Uyezve anomirira mari, nekubatanidzwa kwevanhu kana zvinhu / kushanda nevamwe.[4]

Mashoko ezvaHweva muruambanyeredzi:

MrongazuvaChinjirudza

Murongazuva muruambanyeredzi anotonga nyereedzi kana ratidzo inonzi Hondowe kana Erisi (Aries) na Nyavada kana Skopiyo (Scorpio)[1], Unhongi maratidzo Mbudzi kana Kapurikoni (Capricorn). Anomirira chikamu chedu chinoita senge mhuka, hasha dzedu, kuda kwedu kwekukwikwidza nesimba redu rekuita zvinhu tichipedza. Uye shungu, moto urimoyo nekusatya.[1][2][5] Madiro anoita munhu chinzvimbo, marwiriro anoita munhu kuti awane chinhu zvese zvinotaridzwa naMrongazuva. Mrongazuva anoita kuti vanhu vanatso shanda, uyeshandiro avo anoratidzwa naMrongazuva futi. Makudziro nekuzvitakura kunoita munhu, nezvese zvebonde zvinotaridzwa naMrongazuva. Ndoosaka Mrongazuva achinzi chindeya cheShungu.[5]

Mashoko ezvaMrongazuva muruambanyeredzi:

  • shungu; moto
  • kupisa; hasha
  • kusvira; ruchivo
  • Kushanda; zvombo
  • Kukudzwa; kudada
  • Kukara

VhenekeratsvimborumeChinjirudza

Nekuti zita raVhenekeratsvimborume rirefu, richapfupiswa kunzi: Vheneke kana kuti Tsvimborume.

Muruambanyeredzi anotonga nyenyedzi kana chiratidzo chinonzi Uta kana Sajiterisi (Sagittarius), na Hove kana Paishisi (Pisces)[1], Unhongi maratidzo Mbudzi kana Kenza (Cancer). Pamusoro pezvo anomirira tariro, kuvimba nekukura kwemunhu. Inoratidza kuti munhu anowana mufaro ne chirongwa chohupenyu sei, uyezve anotaridza kuti ndepapi muhupenyu hwemunhu pavano vana rombo rakanaka.[1][2][6] Zvakadaro, Vheneke anotaridza kufunda kwemunhu, mafungiro makuru, kunamata, uchenjeri nenjere dzemunhu. Kubudirira newana kwemunhu, kufamba nyika, uye Vheneke mutongi. Anoratidza hupfumi futi.[6]

Mashoko ezveVheneke muruambanyeredzi:

  • Rombo rakanaka
  • Kukura; kuwanda kwezvinhu
  • mufaro
  • Kunzwisisa

ChiremeraChinjirudza

Chirema kana Chiremera muruambanyeredzi anotonga nyeredzi kana ratidzo rinonzi Mbudzi kana Kapurikoni (Capricorn) na Chirongo kana Akwarisi (Aquarius) [1], Unhongi maratidzo Pima kana Ribhura (Libra). Pamusoro pezvo anomirira chirango, kudzorwa / kurambidzwa muhupenyu, mutemo uye anoreva chokwadi. Inomirira zvipingamupinyi futi nebvuvano (ma-responsibilities) dzemunhu, maitiro avanoita zvinhu zvakakosha.[1][2][7] Chiremera anotaridza mabatiriro anoita munhu zvinhu zvakokasha futi. Chiremera mufundisi (kana mudzidzisi) uye anomirira vaye kana zvinhu zvine simba kwatiri kana zvakakudzwa.[7]

Mashoko ezvaChiremera muruambanyeredzi:

  • Mutemo; chitangara (chimiro; structure)
  • Bvuvano,
  • Kushanda
  • Chisungo ne ndima
  • Zvifundo zvemuhupenyu
  • Rombo rakanaka (asi rinotora nguva nekushanda)

YuranisiChinjirudza

Muruambanyeredzi Yuranisi anotonga chiratidzo chinonzi Chirongo kana Akwarisi (Aquarius)[1], Unhongi maratidzo Nyavada kana Skopiyo (Scorpio). Pamuso pezvo anomirira shanduko kana kuva nezano isina kurongerwa. Zvinhu zvisingatarisirwi kana kurongerwa. Muchati yemunhu Yuranisi anoratidza nguva inoitika kana yakaitika zvinhu zvakange zvisina kurongerwa.[1][2][8] Yuranisi anoratidza kuva nepfungwa yakavhurika. Yuranisi ndeye zvinhu zvese zvizve rusununguko, nyika yese, kubatsirana, kuva nemutsa / tsitsi.[8]

Mashoko ezveYuranisi muruambanyeredzi:

  • Eccentricty; unpredictability
  • Shanduko
  • Kupandukira (rebellion)
  • Kuvandudzwa (reformation)
  • Kutangira/ zvinhu zvitsva (originality)
  • Kusika; unyanzvi
  • zvinhu zvemagetsi

NeputoniChinjirudza

Neputoni muruambanyeredzi anotonga nyeredzi kana ratidzo rinonzi Hove kana Paishisi (Pisces)[1], Unhongi maratidzo Mbudzi kana Kenza (Cancer). Neputoni anomirira ndoto nengano muhunhu hwedu (nyangwe muhupenyu hwedu). Pamusoro pezvo anomirira zviroto, manzwiro (kana intuition) nefungidziro dzedu (kana imagination).[1][2][9] Uyezve, inomirira zviroto zvemunhu kuzvinyepera (delusions) kwemunhu - nepavane unyanzvi hwekusika. Mafungiro asiri mubhokisi uye mafungiro asina kudzorwa. Nhetembo, mhanzi, nekutamba zvese zvinhu zvechisiko zvinoratidzwa naNeputoni, uye kuzarirwa nemanzwiro.[9]

Mashoko ezveNeputoni muruambanyeredzi:

  • Zviroto,
  • Ndoto,
  • Ngano
  • Manzwiro
  • Zvakavanzika (mysticism)
  • Kuzvinyepera; zvisipo

PwutoChinjirudza

Pwuto chindeya chidiki, uye muruambanyeredzi chinotonga chiratidzo chinonzi Nyavada kana Skopiyo (Scorpio)[1], Unhongi maratidzo Shumba kana Riyo (Leo). Pwuto anomirira simba nekukwira mumaitiro, uye inoratidza mashindiro anoita munhu simba raanaro, kuchinja kwatinoita muhupenyu.[1][2][10] Pwuto rinomirira rufu nekuzvarwa futi (rebirth). Pwuto ndeye kuzvidzora muhupenyu, anomirira kupara kwezvinhu, kubatikana neshungu. Pwuto anoti "zvekare zvoenda zvitsva zvopinda", uye unofanhira kugadzirira zvinoteera zvacho.[10]

Mashoko ePwuto muruambanyeredzi:

  • Kushanduka; kukura (kuchinja)
  • Simba nekuzvidora
  • Kuvandudzwa
  • Rufu
  • Ruzvarwo; kuzvarwa futi

Mabviro eruzivoChinjirudza

  1. 1.00 1.01 1.02 1.03 1.04 1.05 1.06 1.07 1.08 1.09 1.10 1.11 1.12 1.13 1.14 1.15 1.16 Labyrinthos, 27 Ndira 2018, 'Chirevo cheZvindeya muAs'tororoji, Chimiriro cheChindeya neBepa reKubiridzira', Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  2. 2.0 2.1 2.2 2.3 2.4 2.5 2.6 2.7 Astrology.com, h.z, 'Zvindeya',funda. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  3. 3.0 3.1 Astrology.com, h.z, 'Nyamatsatse: Chindeya cheKutaurirana' Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021.
  4. 4.0 4.1 Astrology.com, h.z, 'Hweva: Chindeya cheRudo neMari', Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  5. 5.0 5.1 Astrology.com, h.z, 'Mrongazuva: Chindeya cheShungu' Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  6. 6.0 6.1 Astrology.com, h.z, 'Jupita: Chindeya cheRombo rakanaka' Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021.
  7. 7.0 7.1 Astrology.com, h.z., 'Sotani: Chindeya cheKhama' Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  8. 8.0 8.1 Astrology.com, h.z, 'Yuranasi: Chindeya chePanguko', Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  9. 9.0 9.1 Astrology.com, h.z, 'Neputoni: Chindeya cheZvisipo', Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  10. 10.0 10.1 Astrology.com, h.z, 'Puruto: Chindeya cheSimba', Zvindeya. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021