Zvipfeko zvinhu zvinorukwa zvichishandiswa kuvhara muviri wemunhu. Vanhu vanosimira zvipfeko nezvikonzero zvakasiyana zvinoti:

  • Kupa muviri chiremera nokuti zvinonyadzisa kufamba munhu ari musvo.
  • Kushongedza muviri zvichiratidzawo hupfumi hwemunhu netsika dzaanokoshesa.
  • Kuvhara muvhiri kuti udziyirwe.
  • Kudzivirira kukuvadzwa kwemuviri kana munhu ari kuita mabasa akarema.
  • Kupfeka semucherechedzo wemhemberero dzakasiyanasiyana.
  • Kana chipfeko chichinzi chinonjenjemera kureva kuti chinowonesa zviri mukati - see through, sheer, transparent.
  • Mutambariko, mutambiko, mutariro kana mutariko (line stretched between poles for hanging things e.g. clothes).

Mazita ezvipfeko

chinjirudza

burugwe.( under wear)

Shoko rokuti kupuvira kana kupurira rinoreva kuita chinhu nomutowo wakapfurikidza mwero wakaterama. Apa chiri kuitwa chingava: kupfeka mbatya dzakanakisa pamucheno; kukaringa kana kurunga chokudya chabikwa; huwandu zvezvinhu zvaunzwa kana kutengwa , zvichingodaro.

  • Mbuya vaChido vanga vakaita mucheno wokupurira pamuchato wemuzukuru wavo.
  • Gamuchirai akapuvira dovi mubota raakabikira Sekuru.

Zvipfeko Zvechinyakare

chinjirudza

Nyaudzosingwi

chinjirudza
  • Mbwandi, vandi kana petere (ideophone of Arranging clothing when sitting down).
  • Kumbwandira (Arrange clothing when sitting down).
  • kundu (ideophone of being uncovered e.g. without blanket; 2. of exposed e.g when wind blows up clothing).

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaVenda vanoti muambaro (n. fashion). Mamwe mazwi tshiambaro (n. clothing; garment; dress). -ambara, -ambadza (v. clothe; dress).
  • VaBukusu vanoti chifwaara (n. outfit) kureva chipfeko. Mamwe mazwi: khuufwaara (v. wear, put on clothes, dress, arm, put on armor).
  • VaTaita vanoti mavalo (clothes) kureva zvipfeko. VaGanda vanoti kanzu (shirt) kureva sheti.