Chitsuwa
Chitsuwa (Nge. Island) kana Tsuwa muchidzidzo cheTaranyika, ishoko rinoreva nzvimbo yakatendedzwa nemvura ingava pakati pegungwa; bhahari; nyanza, kana rwizi. Chitsuwa chinosiyana neziwumbe nekuti chidiki.
MuAfurika kune zvitsuwa zvinoti: Madagaskara; Morishasi; Zanzibhari; Kepu Vhedhi ; Seisherusi; Chitsuwa cheVhitori (Kitlineq) nezvimwewo. Pasi rose chitsuwa chihombesa ndicho chinonzi Girinilendi (Greenland).
Vamwe vatauri vanoti chiwi, chirundu, chituru kana kuti chiunde - asi vamwe vamoti chiunde inzvimbo iri kwayo yega.
Ruwarikana rwezvitsuwa runotaurwa panowanikwa chaunga chezvitsuwa sezvakaita muBhahari reEgiya pedyo neItari.
Mitauro yeBantuEdit
- Shambala vanoti kisiwa (n. island), kureva chitsuwa. VaWabo vanoti esuwa (island) kureva chitsuwa. Sangho vanoti zua (island) kureva chitsuwa.
- VaGungu neVaGanda vanoti kizinga (island) kureva chitsuwa. VaLenje vanoti izinga, nsumbu kana sumbu (island) kureva chitsuwa.
- VaTonga vanoti kasuwa (island) kureva chitsuwa. VaKongo vanoti kisanga (island) kureva chitsuwa. Lozi vanoti sikuli (n. island) kureva chitsuwa
- Baila vanoti chilwa (island) vachireva chitsuwa. VaMakua vanoti ntiji kana matinji pakuwanda (island) vachireva chitsuwa.
- Kimbundu vanoti kisuko (island in a river or lake) kureva chitsuwa chiri mugungwa kana murwizi.