Gunguwo
Gunguwo (crow) ishiri nhema inowanikwa musango inodya madzinde pamwe nenyama. Gunguwo rinowanikwa muAfrica, Europe, Asia, North America.

Gunguwo ishiri yakachenjera fani inokwanisa kuita zvakachenjera - painovhura kana kukudubura mabhini mumisha munogara vanhu uchenjeri hwayo hunoonekwa. Kune mhando yegunguwo inowanikwawo kunyika dzinotonhora dzeEurope neNorth America, aya makunguwo anogara kunyika idzodzo mumwaka we chando.
Kurerutsa Mutauro chinjirudza
- Ndizvo wakatambanudza nyara yake, akaritora, akaripotedza kwaari mungarava: He put out his hand, took her and brought her in to him in the ark. (Genesis 8: kubva muBhaibheri reChiNdau).
Tsumo chinjirudza
- Gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro. The pied crow eats groundnuts; that is its fruit.
- Gunguo rakaramba kumirira museve rikapona nehwakumukwaku. The crow refused to wait for an arrow and escaped by hopping.
Mitauro yeBantu chinjirudza
- VaNyungwe vanoti khungubwe (n. crow) kureva gunguwo.
- VaBemba vanoti mwankole (n. Crow) kureva gunguwo.
- MaZulu vanoti umseka (white ring-mark around the neck as on a crow) kureva bhande jena muhuro sere gunguwo.