Guruuswa
Huruhuswa
Chisi: Nzvimbo dzeGuruuswa
Vanhu: Vambire; Vahungwe

Guruuswa inyika kana nzvimbo inonzi ndeye ruambangano uye inonzi muvhu maro ndimo makabva vanhu verudzi rwe chiShona - uye vanhu vepasirose. Vashona vakabva kuGuruuswa vakafamba uye vakambogara muTanganyika ne tateguru wavo Tovera anonzi Thobela ne VaVhenda ne Vakalanga. Tovera, akange ari Mukuru weMisha mbiri yaiva nemukurumbira muGuruuswa uye uko kwavakaenda kuTanganyika, uko kwakabva Vashona. Vanhu vake vainzi ‘vana vaMambiri (vana vaMambiri). Ndokuzoti vadanwa vachinzi'VaMbire'.

Pamusoro pezvi Mambiri ndiye aive baba wa Murenga Sororenzou (Thohoyandou muChivhenda)

Guruuswa chinjirudza

Guruuswa yaive nzvimbo yakakura chaizvo uye Vagari vayo kunyangwe vaive vanhu vamwechete vaive nemasinga kana mapoka avo akasiyana, nekuda kweizvi vaifamba mumasinga acho iyayo. Mumuenzaniso yekutanga, boka kana rusinga reVanhu senge ivoVarozvi vakatungamidzwa na mhepo ya Katoya Nemasanga[1], vakabva uko kuchikamu cheGuruuswa chaive kuMesopotamia, vakafamba neku Bhahari Tsvuku (vamwe vakasara ko, vamwe vakaramba vachifamba). Uye rimwe rusinga rinogona kunge raive uko kuIjipita ne Sudhani uye vamwe kuItopiya ne uko kuYemeni (senge Varemba). Panoudzwa nyaya nemapoka vanotaura mumaziso emafambiro eboka ravo senge ivo Varemba vanoti vakabva kuYemeni, uye Vazezuru vanoti Guuruswa yavo yakange irikuTanganyika (Vazezuru vanogona kunge vari vana vejenaresheni rakabvakumwe asi rikazvara vana imomuTanganyika, vana vacho ndokuzotungamidzwa kufamba kuenda zasi senge Mozambiki ku Zimbabwe) uku ndikokufamba kwakaita Vanhu. Variko vamwe Vabhantu vakapedzisira kuMatagadzikwa (Madhagaskara) vakasanganisana neVamelanezhiya. Zvakanaka kurangarira kuti handi vanhu vose vaidana nzvumbo yavaigara kuti Guruuswa Vanguni vaidana nzvimbo yavo zvakasiyana, uye mamwe mapoka futi wo. Asi mukufamba Vabhantu vakafamba munguva yaive pedyo vachigara munzvimbo dziripadhuze.

Kufamba kweVahera chinjirudza

Guruuswa rokutanga chinjirudza

Muzuva ranhasi vanhu vanongoti Guruuswa vachireva nzvimbo iri padhuze neZimbabwe kuLimpopo, uye vamwe vanoti raive Tanganyika asi Guruuswa rokutanga, remayambo sezvakataugwa na Sabhuku Savanhu rakasiyana neMaguurswa aya.

“Iri harisi Guruuswa remayambo asikumhiri kweMesopotamia necheku Red Sea , izvi zvinotibatanidza nema Arabs/Jews (Sabhuku Savanhu). From Guruuswa rechipiri (Tanganyika/Sudan), the original Zimbabweans travelled south-wards. By then, the Nguni people had already gone down south and only stopped migrating south-wards when they reached the Atlantic Ocean and started coming upwards during the Tshaka/ Mufekane wars. By the time, they came back to Zimbabwe; the Rozvi and Shava tribes were already there[1]

Zvichienderana nezvakataugwa na Sabhuku Savanhu, Guruuswa chaiyo yokabva Vanhu yaive kumhiri kweMesopotamia ichiendera nekuBhahari Tsvuku, zvichireva kuti vanhu vaive nehukama neVaarabhu ne Vajudha - izvi zvinogona kutsanangura kufamba ne kugarisana kwakaita Varemba (Majudha) ne Vanhu.[1]

Guruuswa rechipiri chinjirudza

Guruuswa rechipiri raive kuSudhani/Tanganyika, Vazimbabwe vokutanga vakafamba vachienda kuChamhembe (kuzasi). Panguva iyo Vanguni vakaange vaenda kuzasi kwacho uye vakamira kufamba kuzasi-zasi pavakasvika Gungwa re Atlandiki uye ndokubva vatanga kuuya kumusoro munguva ye hondo ya Tshaka / Mufekane (Mfecane). Panguva yavakazodzoka kuZimbabwe, Varozvi ne Vashava vakange vatovepo kudhara.[1]

Zita chinjirudza

Guruuswa yakadana kuteera matsanangurirwo ayo nevanhu vakabvako, saka iro zita rinoreva kuti "nyika ye huswa hwakakura".

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 https://www.academia.edu/41769686/Reconstructing_the_Seke_Mutema_Dynasty