Kuyangarara

(Redirected from Kuangarara)

Kuyangarara, kuangarara kana kuangararika (to float) zvinoreva kuva pamusoro pemvura asi chinhu chisinganyure kuenda pasi pemvura. Kuti mutumbi uyangarare unofanirwa kunge une huduma hudiki pane huduma hwemvura yacho. Zvakakosha kuziva kuti mitumbi mizhinji inoyangarara chimwe chikamu chawo chiri pasi pamvura. Sokuti kana ngarava iri mugungwa chimwe chikamu chayo chakakura chinenge chiri pasi pemvura.

Izwi rokuti angama (float; be buoyant) rinotaurwa kuKalanga richireva kuyangarara.

Kurerutsa MutauroEdit

  • Mvura yakakwirira, ikawanda kakurutu padera penyika; nengarava yakaangararika ikahamba pamusoro pemvura: The water overflowed the earth and grew deeper, until the ark floated on the surface of the water Genesis 7:18 kubva muBhaibheri reChiNdau.

Mitauro yeBantuEdit

  • VaChewa vanoti yanga kana yangalala (to spread above, to float on water). VaZigula vanoti kueleleka (v. to float) kureva kuyangarara.
  • VaSwahili vanoti anga kana wanga (1. hang, be suspended, float in the air; 2. bewitch, enchant, cast a spell; 3. spend the night).
  • VaSwahili vanoti anga kana wanga (1. hang, be suspended, hover, float in the air; 2. be caught or tangled e.g in a tree).