Zuva

(runangakatsva kubva kuKutaira)

Zuva (chikwangwani: ☉; Chirungu: Sun) kana zuwa muzvidzidzo zvinoti: taranyika; jekanyika; fundoyetsimba; Zvechadenga, zuva imhando yenyenyedzi iri pakati peGumbapamwe reMushana. Zuva rine hujoto hwakakwira zvokuti mbato irimo inoshanduka kubva pakuva mwando unopisisa kuenda pakuva inonzi plasma muchirungu. Plasma imhando yomusandu ine mwando unopisa zvakanyanya zvokuti maatomu anoshanduka kuva maayoni.

Zuva
Zuva pamusoro pemakore

Pimadanho reZuva rine nhambwe yakareva 1,392,000 km, zvichireva kuti zuva akakura zvakapetwa ka 109 kana richienzaniswa neRinopasi.

Kudzikatirwa kwezuva (Eclipse of the Sun) kunoitika kana mwedzi uri pakati pezuva nerinopasi zvose zvakanangana zviri pamutsetse wakati twasa. Chinoitika ndechekuti mirazvo yezuva inodzikatidzwa nemwedzi yotadza kusvika panyika pane Rinopasi. Nzvimbo dzinenge dzaitika izvi dzinoita rima kunze kugotanga kutonhorera, shiri dzoenda kunovata dzichiti kwadoka.

  • Izwi rokuti makute rinoshandiswa kutsangangura apo zuva rinopinda seri kwemakore, vanhu vari pasi vobva vadzivirirwa zvokusanzwa mushana. Apa zuva rinonzi rapinda kumakute.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Lunyoro vanoti musana (light, daylight) chiedza chezuva. Luganda vanoti msana (midday). Chuwabo vanoti nzuwa (n. sun).
  • VaRwanda izuba (n. Sun) kureva zuva. VaNgala vanoti moi, mwese (n. sun) kureva zuva.
  • VaMaconde vanoti chikuti (n. circle around the sun or moon) vachireva denderedzwa rakapoeterera zuva.
  • Herero vanoti oku-pita ku'eyuva (v. Sunrise) kureva kubuda kwezuva. Mamwe mazwi: pita (v. go out, come out, come forth, go forth, rise out).
  • Herero vanoti oku-hita ku'eyuva kana oku-toka (v. Sunset) kureva kudoka kwezuva. VaFipa ilanzi (n. Sun) kureva zuva.
  • Gusilay vanoti ecaaŋ (v. the sun begins to heat up). Shilluk inoti chan (n. sun, day) kureva zuva kana musi.
 
Mufananidzo wetsananguro weZuva