Kukotsira

(runangakatsva kubva kuMaji)

Kukotsira (kureva to fall asleep; sleeping) kuvata kana kurara zvinoreva nguva iyo munhu anobatwa nehope orara kana kuenzera pangava pamubhedha kana pachigaro kana papi apo angakotsira ari. Vawongorori vanoziva nevehutano vanoti munhu mukuru anofanirwa kukotsira maawa manomwe kusvika masere 7-8 pazuva rimwe. Nyanzvi dzinotizve pahugaro hwake hwose munhu anenge akakotsira kwenguva inokwana kusvika zvikamu makumi matatu nenhatu pazana (33%).

Kukotsira
Mwana akakotsira kumusana kwaAmai wake

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Kupepuka kana kubepura zvinoreva kumuka kubva kuhope. Sokuti ndapepuka pakati pousiku.
  • Makope zvinotaura maererano nemakotsiriro anoita munhu. Mumwe anganzi ane makope etsuro kureva kuti anokotsira akavhura maziso setsuro.

Tsumo chinjirudza

  • Katumba kausarara usatanga wakatenda. A cottage in which you have not slept yet you should not praise.
  • Ndisvike-ndisvike inoradza vazhinji panzira.

Mitauro ye Chibantu chinjirudza

  • VaZigula vanoti tongo kana matongo kureva hope. Mamwe mazwi: kusakugona (n. sleepless) kureva kushaiwa hope.
  • Herero vanoti tata kana vandama (lying prostrate). Herero vanoti sika (v. nap) kureva kukotsira chinguvana.
  • Giryama vanoti kukunukira (dose) kureva kutsimwaira. Kukunukiza (make drowsy).
  • VaWanga vanoti okhuyenzera (be flat; be level; lie still; be stagnant; be calm) vachireva kuti chechetere.
  • VaWanga vanoti okhuyenzesia (flatten; calm; quieten; knock down flat). Luganda vanoti okusumagira (v. doze) kureva kutsumwaira.
  • Nyungwe vanoti -phepuka (awake) kureva kupepuka. VaBukusu vanoti siikonelo (n. bedding) zvichireva pekurarira.
  • VaGulu vanoti kugonesa (v. lay) kureva kuradzika. Kinande vanoti otulo kana obupyame (n. sleepiness) kureva hope.
  • Shimaore vanoti tsindzi (v. sleep; rest; slumber) kureva kukotsira.

Mapeji okuringa: chinjirudza