Guvhu
(runangakatsva kubva kuMukuvhu)
Guvhu, mukuvhu kana muchombo (belly button, navel) inhengo yemuviri iri padumbu inoratidza pakabva rukuvhute rwaibatanidza mwana ari munhumbu kuna amai vake. Kana guvhu rakabuda kunze rinonzi guvhudende. PaChiNdau voti mukumvu.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- BaKalanga vanoti kombo (navel; belly button) vachireva guvhu. Gombo (enlarged navel). VaTonga vanoti ikombo (navel; belly button) vachireva guvhu.
- VaRundi vanoti umukondo (navel; belly button) kureva guvhu. VaGungu vanoti mukondo (navel) kureva guvhu. Kinande vanoti omukundi kureva guvhu.
- VaTaita vanoti mkuvu (n. navel) kureva guvhu. VaZigula vanoti lukuvu kana mikuvu (n. belly button; navel; umbilical cord) kureva guvhu kana tambo yerukuvhute.
- VaBwisi vanoti mukundi (n. navel, umbilical cord) kureva guvhu. VaSwahili vanoti kitovu (1. navel, umbilical cord; 2. middle, centre, 3. home, place of origin).
- MaZulu vanoti umnyela kana umnyele (Dark line on the belly of some people from navel to pubes) kureva mutsetse mutema unobva paguvhu uchidzika kuvhudzi.