Rwendo (nge. Journey, tichiti futi: rgwendo kana Gwendo muChikaranga) pahuwandu tinoti nzendo, zvinotaura kufamba munhu achibva pamusha paari kuenda kumwe. Rwendo rungava rwemazuva mazhinji kana rwema hour mashoma. Rungava rwendo rwekufamba netsoka, muchovha, bhazi,ndege, chikepe, bhiza zvichingodaro. Rwendo rwose rune chinangwa.

Tsumo chinjirudza

  • Angoita fungira moyo rwendo rwembwa ndokusviko yambuka kuenda kwaMurambinda.
  • Mwana muduku kubvuma rwendo rwake rwuri mukati. If a child agrees to a journey, his interest is involved.
  • Tasvika pachigonhi: we have come to the end of the journey.
  • Kurova werwendo kuzvikohwera mapfumo mberi.
  • Kutuka werwendo kuzvisosera nzira ngeminzwa. To scold a traveller (means) to block one's path with thorns.
  • Kunyatsa kufamba unovirirwa womhanya. (If you begin by) walking slowly, you will run at sunset.
  • Kufamba kwadi-kwadil unodokerwa womhanya. Walking slowly and carefully you will have the sun go down on you and you will have to run.
  • Dzinobva ruuya, dzinoenda ruuya. Those that leave peacefully will go peacefully.
  • Dzinoendera madzoko, marindo ariko mberi. They leave with the idea of returning but spending a night out lies ahead.
  • Usatuke verwendo rutsoka ndiMarashe.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaVenda vanoti lwendo (journey). Mamwe mazwi: -tshimbila (v. take a journey; travel) kureva kufamba rwendo. Mutshimbili (n. traveller).
  • VaRundi vanoti urugendo (journey) vachireva rwendo. VaGwere vanoti lugendo kana ulugendo (journey) kureva rwendo.
  • VaChewa vanoti mlendo (a traveler; a visitor; a stranger) kureva rwendo. VaMbugwe vanoti lwendo (movement) kureva rwendo.
  • VaKagulu vanoti nhambo (journey) vachireva rwendo. Zigula, Kagulu neTaita vanoti kutamba (v. travel; journey) - kufamba rwendo.
  • VaLozi vanoti muzamai (n. traveller, person on a journey (from -zamaya). VaZigula vanoti ntambo (n. travel, journey) kureva murwendo.