Rumanda

(runangakatsva kubva kuBhakasa)

Rumanda (kureva fence) kana rutsito zvinotaura chidziro chemapango kana tsanga chinovakwa pamuganhu wechivanze kana munda kana musha.

Rumanda

Tsumo chinjirudza

  • Gotsi rutsito. The back of the head is like a fence.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaTsonga neChopi vanoti kubiya (v. fence in). Mamwe mazwi: cibiyo (n. a fence).
  • VaNyungwe vanoti litsito (n. fence) kureva fenzi.VaWabo vanoti nsito kana masito pakuwanda (n. fence) kureva fenzi.
  • VaMbugwe vanoti ikuto (fence) kureva fenzi. VaChewa vanoti kuchinga (to fence).
  • VaZigula vanoti kuwotera (fence in/around) kureva fenzi. Mamwe mazwi: kuwoterwa (be fenced in).