Kuba zvinoreva kutora chinhu chisiri chako nechinangwa chokushandisa kunge chako uye pasina chinangwa chozodzosera mwene wacho.

Tsotsi kana kuti mbavha zvinoreva munhu anoita mabasa ekuba. Vamwe vatauri vechimanje-maje vanongoti vakomana kureva iwo matsotsi. Kuba zvinoreva kutora chinhu chisiri chako usina urongwa hwekuzivisa muridzi wacho kuti watora uye usina urongwa hwekudzosera.

  • Matsviture (Sneak thief who steals anything he finds lying about) - apa kureva mbavha inoverera ichiba chero chayawana pamusha.
  • Makonya zvinoreva munhu anofurira vamwe kuita tsika kana mabasa akaipa - bad influence.
  • Kuboya kana kubodza, kuboza, kubozha (find by chance) zvinoreva kuwana kana kunhonga chinhu usiri kuzvitarisira. Kuboya hakuzi kuba. Ipapa panobva mazwi anoti bozho, uye bodzo.
  • Muronda (Watchman, security guard) zvinoreva munhu ane basa rekuchengeta nzvimbo achidzivirira umbavha. Vatauri veChewa vanoti mulonda.
  • Kupinga (to trap thives by putting intoxicating substance in food they are likely to steal) apa kureva kuteya mbavha nokuisa mushonga unodhaka kana kukora muchikafu chingangobiwa nembavha.
  • Kubinya (cheat, defraud). Anoita izvi anonzi mubinyi, chiito chinonzi mubinyo.
  • Mubinyi (Fraud. Cheat).
  • Mubinyo (Fraud or cheating - act, or habit of).
  • Nharirire (sentinel).
  • Kubvuta (to snatch, to sieze). Kubvutwa kana kubvukwa.
  • Kuchakatwa kana kupambwa (to be looted) iri rinotaurwa kuChiNdau. (Isaiah 13:16, Bhaibheri reChiNdau)

Tsika chinjirudza

  • Mirairo gumi yaMwari ine mumwe unoti Usaba.
  • Chikwene kana chinanga (Distinguishing mark. 2. Mutilation to mark thief) zvinoreva vanga rainyorwa pambavha kana vamwe vainge vapara mhosva.
  • Kumberereka (Wander aimlessly). kana kutimhaira zvinoreva kungofamba uchitenderera panzvimbo zvisina chinangwa. Handidi kuti vana vamberereke kana vaburuka mubhazi: I do not want the children wandering about after getting off the bus.
  • Abraham wakagunun'unira Abimelech ngendaa yechinyuka chemvura, icho chaiya chabvukwa ngesimba ngevaranda vaAbhimerekhi. (Genesis 21:25 Bhaibheri reChiNdau).

Tsumo chinjirudza

Mitauro yeBantu chinjirudza