Mupandira

(runangakatsva kubva kuMupandiri)

Mupandira naMupandiri mazita emhuri anowanikwa muZimbabwe.

Mitauro yeBantu chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaNgala vanoti kobanda kana bandama (v. begin) kureva kuvamba. VaKongo vanoti kubanda (to begin, to start, to commence) kureva kutanga.
  • VaSwahili vanoti panda kana pandika (sow, plant; grow, raise plants). Mazwi Anotodzana: mpando (1. act, time, method of) planting, sowing. 2. row of plants. 3. furrow, bed.).
  • VaSwahili vanoti mpanda, mpandaji, mpandi, mpanzi (planter, sower) kureva uyo anodyaira kana mudyari.
  • VaMambwe vanoti -pandulula (to thin out, as seedling; to separate things placed close together) vachireva kubvisa dzimwe nhondo kana kutaramutsa zvinhu zvakabatana.
  • VaLozi vanoti panda (prepare medicine - drug, charm, poison). Mamwe mazwi: pandila (use drugs for or against).