Gomo
(runangakatsva kubva kuNhukira (yegomo))
Makomo (mountains) inzvimbo yakawumbika ichikwira kuenda mudenga iyo yakatenderedwa nenzvimbo dzakaderera. Makomo akakwira kuenda mudenga zvakanyanya muZimbabwe ndiro Gomo reNyangani.
- Chinwara (Small hill; with good soil) zvichireva chikomo. Zvichida vamwe vangati chimwara??
- Gangarahwe (stony hill) zvichireva gomo rine matombo.
- Jinga reGomo zvinoreva nzvimbo iri muzasi uye pedyo negomo (Foot of hill). Mbira nengururu dzinogara mujinga remakomo.
- Dinhidza (Depression in even contour of a hill) zvinoreva nzvimbo yakaderera ichitiva kuita nhika iri pabarambanda regomo.
- Dinha (sheltered place).
- Barambanda kana banda (sloping side of hill) zvinoreva muteremuko wegomo - iri shoko ringagona kushandiswa kuturikira inonzi profile kana topography kuEnglish.
- Nhukira, nhurika kana nhurikwa (highest point on rock or mountain, summit, peak) Kureva nzvimbo iri pamusoro-soro pegomo.
- Nhurikidzwa (the highest object in a pile of things; the highets part).
- Chikope kana chikodziro (over-hanging rock).
- Urungubwe (anything round and spherical e.g. the bare and round topped granite hilltops).
- Muturamire (inaccessible mountain overlooking surrounding country) kureva nzvimbo iri pakakwirira panonetsa kusvika yakakombredzwa nenzvimbo yakaderera.
- Dandara kana dzu (ideophone of Being high; of Being on highest point). Takaona Zhombwe kuti dandara: we saw that Zhombwe was higher than the other hills.
Tsika
chinjirudzaMazita emhuri ane chekuita negomo anosanganisira: Gomo, Negomo.
Tsumo
chinjirudza- Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfihwa.
- Chikomo chiremera kune vari kure, vari pedo vanotamba nacho.
- Nyika yeZimbabwe izere urungubwe dzemakomo mumatunhu anoti: Rusape, Mutoko, neMvurwi.
- Kudada kwavari mugomo, kukumbira vari pasi mapfihwa. It is mockery when mountain dwellers ask those for hearthstones who live in the veld.
- Kudada kwavari pasi kukumbira vari mugomo mvura. It is mockery when veld dwellers ask those for water who live on a mountain.
- Gomo guru rakapera nokumwaukira. A big mountain was worn away bit by bit.
- Kukwira gomo huvandurira. To climb a mountain you do it bit by bit.
- Kukwira gomo hupoterera. To climb a mountain you go around it.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaNyungwe vanoti phiri kana mapiri kureva gomo. VaZigula vanoti ntuli (n. summit of a hill) kureva nhukira yegomo.
- VaLenje vanoti chilundu, mulundu, lupili kana malupili (Hill) kureva chikomo. VaUmbundu vanoti elundu (n. hill) kureva chikomo.
- VaGanda vanoti kisozi (n. a hill) vachireva chikomo. VaGiryama vanoti murima (n. mountain) kureva gomo.
- Basotho vanoti thaba (n. mountain) vachireva gomo. MaZulu vanoti ntaba (n. mountain) kureva gomo. Sangho vanoti hoto (n. hill) kureva chikomo.
- Kaonde vanoti mutumba (n. mountain) kureva gomo. MaZulu vanoti bande (slope as on hill-side; protected side of a hill - imbandama) - zvichida vanoreva banda.
- VaKongo vanoti banda (ascend, go up or climb a hill). Mamwe mazwi: mbanda (n. an ascent). VaNyakyusa vanoti kyamba (n. mountain).
- Lubwisi vanoti kukoma (v. Go uphill; move up) kukwira gomo. Mamwe mazwi: kukota (v. Come down; descend).