Chatemabanze

(runangakatsva kubva kuUtemabanze)

Chatemabanze, chatemavabanze kana gutsaruzhinji (democracy in English) mazwi anoreva mutowo wekutonga kana kutema mitemo unotevedza zvido zveruzhinji rwevanhu: izvi zvichiitwa kubudikidza nekuvhotera vamiriri muchivande uye kusarudza nzira dzinodiwa neruzhinji rwevanhu panhau dzinenge dzaiswa mudariro. Kuita sarudzo dzevamiriri mudare reparamende chikamu chikuru pahutongi hweutemabanze. Asi chatemabanze hachiperere pakuita sarudzo; panofanirwa kuva nezvirongwa zvokugutsa ruzhinji kuchitevedza zvido zveruzhinji.

Kududzwa kweZita chinjirudza

Izwi rokuti demoocracy rakabva kuGreek - iro rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: demo kureva ruzhinji rwevanhu kana banze, uye kratia kureva rule or strength. Saka pano chivakashure chinonzi chatema- chiri kureva nzira yehutongi inopa simba kuboka rakarehwa - sokuti chatemabanze hutongi hunotevedza mitemo yebanze.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Mutemabanze, mutemavabanze (n. democrat).
  • Banze (Meeting-place of men of a village or neighbourhood). Pakuwanda toti mabanze.
  • Mubanze (resident of a neighbourhood; neighbour) muvakidzani ari pedyo zvekuti munogara pabanze rimwero.
  • Munguva yaitongwa nevarungu muAfrika hurumende dzaisatevedza utemabanze pakutonga nyika nemhosva.
  • Sarudzo dzekutanga dzeutemabanze dzakaitwa muZimbabwe mugore ra1980.
  • Nyika dzine chitsama muAfrika dzine hutongi hwechatemabanze: a number of countries in Africa have democratic government.

Zvakakosha kuonesana kuti mashoko ari pano haako kuChiShona chemazuva ose, asi kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.

Mamwe Mazwi chinjirudza

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaNyungwe vanoti mtemo (n. law) kureva mutemo. Zigula vanoti kutema (v. rule, govern; control; reign) kureva kutema.
  • VaGogo vanoti utemi (right to rule; chiefdom, chiefship) ikodzero yokutonga uye hutongi. Mamwe mazwi: mtemi kana watemi (leader, rule) kureva mutongi.
  • VaIkizu vanoti -tema (rule over, reign) kureva kutonga. VaKabwa vanoti omutemi (n. ruler; leader) kureva mutungamiri.
  • VaMakonde vanoti kutema (n. to conquer; win) kureva kukunda.