Munhukadzi
(runangakatsva kubva kuVanhukadzi)
Munhukadzi kana mukadzi zvinoreva munhu akasikwa zvokukwanisa kutakura mwana mukati make - nokumwe kutaura anonzi muzvare. Shoko rokuti mukadzi rinonyanya kushandiswa pamuzvare akura, kana ari mudiki anonzi musikana.
- Mbaza (Woman of strong and forceful character). Apa kureva mukadzi ane chisimba kana ganyavhu pakutaura kana kuita kwake. Mbaza yegadzi: amazon.
- Handakamwe (Woman who has given birth once) apa kureva munhukadzi akazvara kamwe.
Kuzvara nokuyaruka
chinjirudzaNhengo dzesikarudzi dzemukadzi ndeidzo dzinoshandiswa pakuzvarwa kwemwana. Kunoitawo dzimwe nhengo dzechikadzi dzinoshandiswa pakurera mwana uye kuti dzive dzinoyevedza kumurume.
Tsika nemabasa
chinjirudzaMumarudzi akasiyana vakadzi vane mabasa akasiyana zvishoma, asi mutsika zhinji vakadzi ndivo vanotarisirwa kuita mabasa ekubika; kuchenesa mumba nokutarira vana vadiki, nokushongedza mhuri.
Mamwe mazwi
chinjirudzaTsumo
chinjirudza- Ndechemba vakadzi kuva nedinha panhova. It is in,the family that women have a depression in the fontanelle.
- Kunzi mukadzi ari apa kunatsa munyu. In order to be called a proper house wife, she must know how to season her relish.
- Mukadzi akanaka ari womumwe. A woman is attractive when she is somebody else's (wife).
- Mukadzi isango rehuni rinotsvakwa naani naani. A woman is like a forest in which anybody can find wood.
- Munhukadzi ishavhi anoteverwa neshiri. A woman is like figs followed by birds.
- Mukadzi isango rehuni rinotsvakwa naani naani.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaLenje vanoti mwanakashi (n. woman, a female person, a wife) kureva munhukadzi kana mukadzi wemunhu.
- Umbundu vanoti ukai kureva munhukadzi. VaNgala vanoti mwasi kureva munhukadzi.
- VaMande vanoti musee (a woman) vachireva munhukadzi. VaWabo vanoti muyana kureva mukadzi.
- Yao vanoti mbumba (a woman) kureva munhukadzi. Sepedi vanoti mosadi (n. woman) kureva mukadzi.
- VaDigo vanoti m-chetu, mwanachetu kana chichetu (woman, a female person) kureva munhukadzi.
- Lenje vanoti lutundu (womankind) kureva vanhukadzi. Rukavango vanoti mukadi (a woman) kureva mukadzi.
- VaGanda vanoti omukazi (woman) kureva mukadzi. VaWanga vanoti omukhasi (woman) kureva mukadzi.
- Chimbalazi vanoti mukke (woman) kureva munhukadzi. VaManda vanoti mu-dala kureva munhukadzi.