Nzou

(runangakatsva kubva kuZhou)

Nzou (Ku Chingezi: elephant) kana Zhou zimhuka ziguru-guru rinowanikwa kuZiwumbe reAfurika nereEzhiya. Nzou ndiyo mhuka hombe hombe pamhuka dzinowanikwa padunhu dzisingagare mumvura

Hupango mu sainzi
Muvuso: Umhuka (Animalia)
Faramu: Kodhata (Chordata)
Mukasu: Dzinoyamwisa (Mammalia)
Raya: (Proboscidea)
Mhuri: (Elephantidae)
Zasi-Mhuri: (Elephantinae)
Mapoka anosanganiswa
* Loxodonta Anonymous, 1827 * Elephas Linnaeus, 1758 * Palaeoloxodon Matsumoto, 1925
Zvinosanganiswa nebazu asi umuto wakabviswa mutsika dzekare
* Mammuthus Brookes, 1828 * Primelephas Maglio, 1970

Nzou dzinowanikwa muAfurika dzine nyanga; nzou dzinowanikwa kuEzhiya dzimwe hadzina nyanga. Nzou dzinotakura nhumbu kwemwedzi makumi maviri nemaviri (22). Painozvarwa nzou inenge ine huremu hunosvika 105 kg. Nzou dzinorarama makore 50-70.

  • Mhuvi inzou isina nyanga.
  • Gaka renzou (intestine of elephant used as sleeping bag) apa kureva matumbu enzou aishandiswa sebhegi rekurarira.
  • Murevo wenzou (elephant's trunk). VaVenda vanoti musingo (elephant's trunk).
  • Kuita kwewashaya kuteya nzou neriva.
  • Nzou hairemerwe nenyanga dzayo.
  • Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori.
  • Chirango chatimba, kuti nzou pinda mumba. It is a mere formality for a (small bird) to invite an elephant to its nest.
  • Kuvaraidza zuva kuteya nzou neriva. It is just killing time if one sets a stone-trap for an elephant.

Mazita emhuri

chinjirudza
  • Mazita emhuri ane chekuita nenzou anosanganisira: Zhou, Nzou, Chinzou, Mukonowenzou, Manzou, Nenzou, Samanyanya, Mashambanzou.
  • VaFwe vanoti njovu (elephant) kureva nzou. VaNyungwe vanoti ndzou (n. elephant) kureva nzou. VaGiryama vanoti ndzovu (n. elephant).
  • VaWanga vanoti inzofu (n. elephant) kureva nzou. MaZulu vanoti indlovu kureva nzou. VaZigula vanoti ntrembo kureva nzou.
  • VaMakhuwa vanoti itepo (elephant) kureva nzou. VaSwahili vanoti tembo (elephant) kureva nzou. Maconde vanoti inembo kureva nzou..
  • Mang'anja vanoti njobvu i-omba mpembe (an elephant trumpets) vachireva nzou inokuma seinoridza bhosvo. Bukusu vanoti eenjo.u (adj. big).
  • VaGulu vanoti ntembo kana matembo (elephant) kureva zhou. Mamwe mazwi: n'tembo (n. ivory) kureva nyanga dzenzou.