Kurova

(runangakatsva kubva kuKushwapura)

Kurova zvinoreva kuunza pamuviri wemunhu (zvine simba) chinhu chingava: shamhu; ruwoko; bhande; mupinyi; tambo; tsoka; chitorobho; tyava; chamboko kana chiwewo chinhu chinodzimba kana chasangana nemuviri wemunhu. Munhu anorohwa nezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira: kurwa; kurangwa; kuzvidzwa; kushungudzwa muwanano; kushungurudzwa kwevaranda zvichingodaro.

Kudakarira kana kudekerera (beat to death). Akaviruka nehasha sokunge kuda kumudakarira: he became so enraged that he wanted to beat him to death.

  • Rumano (strictness, discipline) kureva munhu asingatendere musakanzwa. Ane rumano: he is very strict.
  • Kutsindika kana kutsindikidza (beat because of a debt or promise) zvichireva kurova munhu pamusana pechikwereti kana Kati chivimbiso.
  • Kudzadzamira (threaten with hand or weapon). Iwe mwana unodzadzamira ini Baba vako: how could you my child, raise your hand against your own father!

Mashoko anoreva kurova chinjirudza

Mamwe mashoko anotaura kurova ndeanoti: kukwatura; kuzvambaradza; kubinha; kushwapura; kukanda chibhakera; kudhinda nezvibhakera zvichingodaro.

  • Kukwishura (beat with a stick) apa kureva kurova neshamhu yechitanda.
  • Kushiva (Endure without flinching).
  • Andirova namambune: he hit me on purpose.
  • Mudzidzisi mutsva ane rumano.

Hurapi chinjirudza

Mbibvira (Swelling - not a bruise, resulting from a blow). Akaitwa kafiramberi nembibviramo: he subsequently died of an internal swelling (or haemorrhage).

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaKongo vanoti beta kana weta (hit, beat, strike) vachireva kurova. VaNgala vanoti kobeta (to strike, beat, knock, hit).
  • VaHerero veta kana oku-tona (v. lash, whip, striking; hitting; also conquer, defeat; overcome) vachireva kurova neshamhu.
  • VaVenda vanoti -zhambula (v, crack a whip). VaGiryama vanoti ku-tsambula (to flog) kureva kuzvambura.
  • VaChewa vanoti kwapula (to flog; to beat) vachireva kukwapura. VaChewa vanoti likita (beat, strike) vachireva kurikita.
  • VaZigula vanoti kutowa (spanking, spank, beat, hit, smack) vachireva kurova.
  • Iton vanoti bímî (v. hit). Fananidzai nokuti kubimhidza?