Ibwe kana buwe (rock in English) imhando yegodo rinowanikwa Pasirose. Matombo ane marudzi akasiyana ose akagadzirwa nokuwumbana kwezvinhu zvinosanganisira muchegwa, madzinde akafa, Ivhu rakakukurwa rikazowumbana, manyau echikwatamabwe nezvimwewo. Pahuzhinji anonzi matombo, mabwe kana mapuwe.

Mamwe maDuramazwi anodudzira achiti dombo ibwe guru - boulder or large rock. Kune nzvimbo iri pedyo neHarare inonzi Domboshava ine mabwe makuru. Domboramwari inzvimbo iri kuEpworth muHarare ine dombo rine tsoka yakatsikapo.

Matombo akakosha pakuti anoshandiswa: kuvaka dzimba, kuveza mifananidzo, uye kukorora simbi kubva maari.

Igneous rocks

Sedimentary rocks

Metamorphic rocks.

Chivhungahwe (Decomposed rock) apa kureva bvubvururwe rinobuda kana dombo rabvurunhurwa nezvinhu zvinosanganisira mvura inoyerera, gukuravhu, zuva, chando, midzi yemiti uye mhuka dzinofamba dzichitsika matombo aya.

Shepi dzeMabwe

chinjirudza
  • Chigere ibwe, muti unowa. It is the stone that remains (but) the tree will fall.

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaRundi vanoti ibuye (stone) vachireva ibwe. Kinande vanoti eribwe (the stone, the pebble, the rock, the rock) vachireva ibwe.
  • VaChewa vanoti mwala (stone) vachireva ibwe. VaTaita vanoti iwe (n. stone) vachireva ibwe.
  • VaNyakyusa vanoti ilibwe kana amabwe (stone) kureva mabwe. VaWabo vanoti libwe kana malibwe (n. stone) vachireva ibwe.
  • VaTonga vanoti indomba kana mandomba (n. rock) vachireva dombo. Gbeya vanoti ta (n. a stone) kureva ibwe.
  • [Kimbundu]] vanoti ritari kana matari (stone) kureva ibwe.