Muridzi

(runangakatsva kubva kuMungwariri)

Muridzi, tewe kana mwene zvinoreva munhu ane chinhu chinonzi ndechake pamberi pomutemo. Munhu anokwanisa kuva muridzi wechinhu kuburikidza nokunge akachitenga, kupihwa, kugara nhaka, kana kuchishandira. Pahuwandu vanenge vonzi varidzi. KuChiNdau vanoti mune, kududza muridzi.


Mamwe mashoko anoreva muridzi ndiwo anoti mwene kana vene pahuwandu. Shoko rokuti muzvina rinoshandiswawo, asi iri rinoreva uyo anoshandisa chiro chiri kurehwa, anokwanisa kuva iye mwene wacho kana akabata chete anochishandisa. Sokuti muzvinapembe anokwanisa kune ari kuridza pembe isiri yake. Tine mufungo mumwechete muzvinabhizinisi anokwanisa kunge ariye maneja mukuru anotungamira bhizinizi rine varidzi varo, asi iye ndiye ane hudaviri pamusoro paro. Izwi rokuti kuzvina rinoreva kudzana (to dance) kuChiNdau.

  • Mungwariri (one who watches over; the one in charge; keeper of facility).

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Tsumo chinjirudza

  • Chinokura choga isango munda kukura huona tewe. What grows alone is a forest, a field grows when it sees its master.
  • Chedahunha chiri kumusoni. What happens to a kaross is up to the owner.
  • Kusiri kwako masango. A place other than yours is bush-veld.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Lenje vanoti mwine, mwini kana wene (owner, possessor) vachireva mwene. Kabwa vanoti omwene (n. owner) kureva mwene.
  • Kikuyu vanoti muene (n. possessor) kureva mwene. Kimbundu vanoti muene (owner), kureva mwene.
  • Chewa vanoti mwene (self, self-same, genuine, owner, owning). Sokuti mfumu mwene (the chief himself).
  • VaYao vanoti mwenya (master; lord; owner) kureva mwene.
  • Herero vanoti omuini (own; owner). Mamwe mazwi: ou-ini (n. property). ovityuma (n. goods; effects).
  • Sangho vanoti mveni (similarly, oneself, personally). Sangho inoti mveni (n. owner; self - [reflexive]).
  • Umbundu vanoti umwini kana umwene (owner). Digo vanoti mwenye (owner), kureva mwene. VaNyakyusa vanoti mwene (self).
  • VaManda vanoti mukola (owner) kureva mwene. Chuabo inoti muliba (owner) kureva mwene.
  • VaTonga vanoti mwadimunzi (head of village) kureva samusha. Mamwe mazwi: mudimunda (owner of garden), mwene wemunda. Mudimugutu (owner of sheep ram) kureva mwene wegotora.