Muti
(runangakatsva kubva kuPfumvudza)
Muti idzinde rinokura richiita matavi, maruva nemuchero. Michero ingava inodyiwa kana isingadyiwe. Mukati memuchero ndimo munowanikwa mbeu. Miti inokura ichiita mapazi anobata pahunde yemuti.
- Bumbuti kana dumbuti zvinoreva kukura kwemuti pagutsa rakambotemwa. Vamwe vanoda kusvvura makavi pamabumbuti emupfuti.
- Chibari (Parent tree).
- Chigutsa, chitsa kana tsika (stump).
- Chitsotsa zvinotaura kukura kwemiti kana mamwe madzinde akawandisa panzvimbo imwe - dense growth of plants.
- Bazi, bazu, davi, nhawani, nhavani, nhai kana daza (branch of a tree). Rutavi (n. twig, small branch).
- Hunde (stem or trunk of a tree; a large tree) kureva mutezo wemuti wakabatana nemidzi iow wakamira muvhu kumusoro wakatakura mapazi.
- Gomarara kana chikwama (parasitic plant) zvichireva dzinde rinokura pamapazi erimwewo dzinde; gomarara rinenge rakasiyana nedzinde rakamera muvhu.
- Guunga (Mimosa thorn forest).
- Runye (grain or other vegetation coming up very closely together).
- Bumburudzi (cluster of fruits, clump of trees, group of people) kana kuti chichese.
- Birira kana mabirira (Sap on a tree).
- Pfumvudza (a bud of leaves) zvichireva mashisha achangonyuka - uku kunonzi kupfumvura (to bud - of leaves).
- Mudzi, midzi, runzinde kana nzinde (roots) apa kureva chikamu chomuti chinokura pasi pevhu.
- Munzwa kana muhwa (thorn) mutezo wedzinde une munzi unobaya. Madzinde ane minzwa anosanganisira: feso, mubayamhondoro.
- Muduumudzi, muduumudza (Dust caused by wood-borers) kana kuti mupfumbwe zvinoreva chiupfu chinokonzerwa kana miti yaboorwa.
- Mukove kana nhokwara (pod from a tree).
- Dungarwizi (any tree or plant that grows in water).
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Muti uyo wakaita dengezeze: that tree's branches have a wide spread.
- Asi nhai inobva kunzinde dzake umwe unozotora pandau yake: But another branch from the same roots as hers will appear in her father’s place. (Daniel 11:7 Bhaibheri reChiNdau).
- Muriwo wandakadyara pasi pemuwunga wakavhungwa nemumvuri.
- Kuvhunga (to choke with growth, to overgrow).
- Demo rakapakama mumuti. The axe is caught (held up by branch) in the tree.
- Kungorama kana kupakama zvinoreva kupaikira. Demo rakangorama mumuti.
Tsumo
chinjirudza- Matanda masairirwa, unosiya nerino muchenje.(Standing) logs are tested; you leave the one eaten by white ants.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaNyoro vanoti muti (tree; piece of wood) vachireva muti. VaNyungwe vanoti tsinde (tree trunk) kureva hunde. Maconde vanoti lutavi (n. branch).
- VaKongo vanoti ntayi (the branches of a tree) kureva matavi emuti. Herero vanoti orutavi kana ondavi (branch) kureva bazi.
- VaHaya vanoti omuti (tree) kureva muti. VaWabo vanoti muri kana miri (tree) vachireva muti. Tumbuka vanoti umugogo (log) kureva danda.
- Babungo vanoti tɨ (n. tree) kureva muti. Mamwe mazwi: tɨ (n. height). VaTege vanoti odza (n. root) kureva mudzi. Mandinka vanoti yiri kureva muti.
- Giryama vanoti tsandzu (branch - part of tree that grows from trunk or bough) kureva bazi.
- VaGiryama vanoti lutai (bough - main branch, firm branch of a tree) kureva davi.
- Lubwisi vanoti kiti (n. Tree) kureva muti. Sangho vanoti luti (v. to stand; to stand up) kureva kumira.