Badza
(Redirected from Chifengu)
Badza (hoe in English) mudziyo kana kuti turuzi rinoshandiswa kutimba, kuchera nekusakura. Badza rine mupinyi kana kuti mubato wakareba zviri pakati pe 0.5-1.0m; kune rimwe divi rebadza kunenge kune gwati resimbi rinopfekerwako rakachinjikana nemupinyi. Gwati resimbi iri ndiro rinotemeswa pasi kana kuchiitwa mabasa ekuchera, kutimba kana kusakura.
Mhando dzemapadza dinosanganisira: chikuruwo, chifengu.
Chikuruwo zvinoreva badza rasakara rapera gwati resimbi racho rinochera. Aka kanodanwa zvakare kuti: chimwango, kakuruwo kana kuti kaserima.
TsikaEdit
MuZimbabwe mune mazita emhuri ane chekuita nebadza anosanganisira: Badza, Nyabadza, Badzarigere, Chikuruwo.
Kurerutsa MutauroEdit
- Makwai makadzi manomwe aya unozoatora kubva munyara yangu kuti aite chapupu kwendiri, kuti ndini ndakatsa ichi chinyuka. (Genesis 21:30 Bhaibheri reChiNdau).
- Badza harinyepi. A hoe tells no lies.
- Ungokutukira badza ungokupa hupfumi. The one who urges you to handle a hoe (for weeding) gives you riches.
TsumoEdit
- Chimwango chokukumbira hachina ndima.