Badza
(runangakatsva kubva kuMapadza)
Ribadza kana badza (kureva hoe muChingezi) pauwandu tichiti mapadza, mudziyo kana kuti turuzi rinoshandiswa kutimba, kuchera nekusakura. Badza rine mupinyi kana kuti mubato wakareba zviri pakati pe 0.5-1.0m; kune rimwe divi rebadza kunenge kune gwati resimbi rinopfekerwako rakachinjikana nemupinyi. Gwati resimbi iri ndiro rinotemeswa pasi kana kuchiitwa mabasa ekuchera, kutimba kana kusakura.
Mhando dzemapadza dinosanganisira: chikuruwo, chifengu.
Chikuruwo zvinoreva badza rasakara rapera gwati resimbi racho rinochera. Aka kanodanwa zvakare kuti: chimwango, kakuruwo kana kuti kaserima.
Tsika
chinjirudzaMuZimbabwe mune mazita emhuri ane chekuita nebadza anosanganisira: Badza, Nyabadza, Badzarigere, Chikuruwo.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Makwai makadzi manomwe aya unozoatora kubva munyara yangu kuti aite chapupu kwendiri, kuti ndini ndakatsa ichi chinyuka. (Mavambo 21:30 Bhaibheri reChiNdau).
- Badza harinyepi. A hoe tells no lies.
- Ungokutukira badza ungokupa hupfumi. The one who urges you to handle a hoe (for weeding) gives you riches.
Tsumo
chinjirudza- Chimwango chokukumbira hachina ndima.