Moyo

(runangakatsva kubva kuMhumba)

Muchidzidzo Chezvipenyu, moyo, mwoyo kana mhumba (heart in English) inhengo yemuviri inosaira ropa kuti risvike kune dzimwe nhengo dzose dzemuviri.

Moyo
  • Chidamoyo hamba yakada makwati.
  • Makunun'unu (ndiwo) maodzamwoyo. Brooding breeds despair.
  • Chinobvutwa ndochiri muruoko chiri pamoyo unofa nacho.
  • Moyo muti unomera paunoda. Moyo unofanana nemuti here pakuti mimwe miti haimeri kune mamwe matunhu?

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • Umbundu vanoti utima (heart) kureva moyo. Swahili neLugungu vanoti mtima (heart) kureva moyo.
  • Kimbundu vanoti muxima (heart) kureva moyo. Chewa vanoti kudokola (to beat - of pulse).
  • Makhuwa vanoti mrima (heart) kureva moyo. Herero neLuganda vanoti omutima (heart) kureva moyo.
  • Kikongo vanoti ntima (heart, mind, conscience, inside, interior) kureva moyo.
  • VaRwanda vanoti umutima (heart) kureva moyo. Tsonga, Venda neNsenga vanoti mbilu (heart) kureva moyo.
  • Lenje vanoti moyo (heart; 2. life, vitality, 3. feelings, taste. purpose) kureva moyo, hupenyu, kubenyukira, kushingaira.
  • Herero oku-tona kana pambara (v. throb, beat, pulsate) kureva kurova kwemoyo. Herero vanoti o-ngorotima (n. cavity of the heart).