Chichewa
Chichewa kana Chinyanja rurimi rwunotaurwa munyika dzinoti: Malawi; Zambia, Mazambuko neZimbabwe. Mutauro uyu wakapararira munyika dzeSADC nokuda kwevanhu vakatamira munyika idzi vachitsvaga mabasa, vari vashandi vakabva kuMalawi neZambia.
Mazwi Anotodzana neShona
chinjirudzaChichewa chine mazwi mazhinji anotodzana neChiShona nemamwe akafanana zvachose.
Chichewa | Chishona | Tsananguro |
---|---|---|
fanana | fanana | |
gombe | gombe | kureva mucheto we rwizi kana nyanza |
imbvi | imvi | |
bambo | baba, tate, bambo [Chindau] | |
mpini | mupini | |
chimbudzi, chimbwaya | chimbuzi | |
Mbale | mubare | kureva hanzvadzi rebare rimwechete nerako |
bereka | bereka | |
boola | kuboora | |
vuma | bvuma | rinataugwa sokuti vhuma paChivantu |
- Chewa inoti bere(pronounced, vere) (breast), kureva zamu.
- Chewa inoti bvunda kana vunda (rotten), kureva kuwunda.
- Chewa inoti vundula (stir up), kureva kubvundura kana kubvondora.
- Chewa inoti bwato (boat), kureva bwato.
- Chewa inoti chala (toe, finger), kureva chigunwe.
- Chewa inoti taya (to lose, throw away), kureva kutaya kana kurasa. Kutayika (to e lost; lose one's way).
- Chewa inoti tate kana atate (father), kureva baba.
- Chewa inoti chaulere (freely given; gift), kureva chouerere.
- Chewa inoti chembere (old woman; a married woman with children), kureva chembere.
- Chewa inoti chidindo (stamp, seal or date stamp), kureva chidhindo.
- Chewa inoti chibayo (pneumonia; pleurisy), kureva mabayo.
- Chewa inoti chilombo (a dangerous animal; a wild animal), kureva chirombo.
- Chewa inoti chilimwe (the dry season), kureva chirimo.
- Chewa inoti diso kana maso (eye; eyes), kureva ziso.
- Chewa inoti dondo (thick bush), kureva dondo.
- Chewa inoti duwa kana maluwa (flower), kureva ruva.
- Chewa inoti dya (to eat), kureva kudya.
- Chewa inoti dzala (to be full), kureva kuzara.
- Chewa inoti dziko (country or territory of a chief), kureva nyika yaShe.
- Izwi rokuti chalalo rinoreva nyika sekuti nyika yeZimbabwe.
- Chewa inoti dzimbiri (rust; green mould on copper etc), kureva ngura.
- Chewa inoti dziwe (pool on a river), kureva dziva.
- Chewa inoti zuro (yesterday), kureva nezuro.
- Chewa inoti dzino(meno) (tooth), kureva zino.
- Chewa inoti dzuwa (sun), kureva zuva.
- Chewa inoti kufika (to arrive; to reach), kureva kusvika. Kufikira (until) ndiko kuti kusvikira.
- Chewa inoti fulatira (to turn back on), kureva kufuratira.
- Chewa inoti fula (to forge as a blacksmith), kureva kupfura semhizha.
- Chewa inoti fupi (short; near), kureva pfupi.
- Chewa inoti futsa(mufutse) (to parboil vegetables, then dry them in the sun for future use), kureva kufusha.
- Chewa inoti guwa (a shelf made of clay in the house), kureva huva kana chikuva.
- Chewa inoti linganika (to be equal), kureva kuenzana.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Chewa inoti chikwati (wedding), kureva muchato. Zvichida zita rokuti Mukwati rinotodzana nezwi iri?
- Chewa inoti chimanga (maize or corn), kureva chibage.
- Chewa inoti chimbala (cold left-over sadza), kureva munya kana muradzwa.
- Chewa inoti basi (that's all; it's enough), kureva kuti zvakwana.
- Chewa inoti chepa (to be too few, to be diminished; little). Kuchepetsa (cause to be small or diminished).
- Chewa inoti chikondi (love), kureva rudo.
- Chewa inoti fisi (hyena), kureva bere.
- Chewa inoti fota (wither as flowers or leaves), kureva kuwuna.
- Chewa inoti fotokoza (explain), kureva kutsanangura.
- Chewa inoti fuko (people), kureva vanhu.
- Chewa inoti gowero (boys's house or dormitory), kureva gota.
- Chewa inoti gwero (a source, beginning of a river or stream), kureva panotangira rwizi.
- Chewa inoti gwira (to grasp; to hold; to catch). Gwira nchito - to work.
- Chewa inoti Mlezi kana Leza (God), kureva Mwari.[1][2]