Chatemanjonda
Chatemanjonda kana chatemambirimi (plutocracy) mazwi anoreva mutowo wekutonga kana kutema mitemo unotevedza zvido zvevanhu vapfumisa: izvi zvichiitwa kubudikidza nemitemo yakarerekera nzira dzinodiwa nevanhu vapfumi.
Kududzwa kweZita
chinjirudzaIzwi rokuti plutocracy rakabva kuGreek - iro rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: pluto kureva hupfumi uye kratia kureva rule or strength. Saka pano chivakashure chinonzi chatema- chiri kureva nzira yehutongi inopa simba kuboka rakarehwa - sokuti Chatemanjonda hutongi hunotevedza mitemo yenjonda.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Banze (Meeting-place of men of a village or neighbourhood). Pakuwanda toti mabanze.
- Mubanze (resident of a neighbourhood; neighbour) muvakidzani ari pedyo zvekuti munogara pabanze rimwero.
- Munguva yaitongwa nevarungu muAfrika hurumende dzaisatevedza utemabanze pakutonga nyika nemhosva.
- Sarudzo dzekutanga dzeutemabanze dzakaitwa muZimbabwe mugore ra1980.
- Nyika dzine chitsama muAfrika dzine hutongi hweChatemanjonda: a number of countries in Africa have democratic government.
Zvakakosha kuonesana kuti mashoko ari pano haako kuChiShona chemazuva ose, asi kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Mutemo (laws, rules) kureva murao unoshandiswa pakutonga nyika, boka revanhu, pabasa, kana nzvimbo.
- Chatemamwari (theoocracy) hutongi hunotevedza mutemo waMwari.
- Chatemanyanzvi (technocracy) hutongi hunotevedza mutemo wenyanzvi.
- Chatemagombwe (aristocracy) huri hutongi hunotevedza mutemo wegombwe kana makombwe.
- Chatemamhomho (mobocracy) hutongi hunotevedza mutes wemhomhosi.
- Chatemavabinyi (kleptocracy) hutongi hunotevedza mutemo wevabinyi kana mbavha.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudzaMitauro yeBantu
chinjirudza- VaNyungwe vanoti mtemo (n. law) kureva mutemo. VaZigula vanoti kutema (v. to rule, govern) kureva kutema.
- VaGogo vanoti utemi (right to rule; chiefdom, chiefship) kureva kodzero yokutonga uye hutongi.
- VaGogo vanoti mtemi kana watemi pakuwanda (leader, rule) kureva mutongi.
- VaIkizu vanoti -tema (rule over, reign) kureva kutonga. VaKabwa vanoti omutemi (n. ruler; leader) kureva mutungamiri.