Mwari muChiBantu
Chinyorwa chino chakaunganidza mazwi anoreva Mwari kune mimwe mitauro yeChiBantu.
Izwi rokuti Mwari rinotaurwa zvakasiyana kumitauro yakasiyana. Sokuti:
Zita | Mitauro |
---|---|
Anyambi | Benga |
Nzambi | Nsenga |
Nyambe | Lozi, Luyana |
Ndjambi | Herero |
Nyambi | Mbukushu, Nkoya |
Karunga | Kwangali |
Unzambi | Kimbundu |
Kalunga | Ndonga |
Katonda | Kihaya |
Omukama | Kihaya |
Mulungu | Chewa, ChiSena |
Hiwumbe | Lunyole |
Mluku | Makua |
Muluku | Lomwe |
Ruhanga | Lunyoro |
Nyamuhanga | Kinande |
Kagaba | Lugungu |
Nwali | Swahili |
Chiuta | Tumbuka |
Mlezi | Chewa |
Redza | VaMbunda |
Leza | Lenje, Luba, Baila, Subia |
Lesa | Bemba, Bisa, Lamba, Sodi |
Thixo (God) | IsiXhosa |
uSomandla (all powerful one) | IsiZulu |
umDali (The Creator) | IsiZulu |
Ruhanga, Kagaba | Lugungu |
Zàmá | Iton |
Zambe | Swo |
Suku | Umbundu |
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- Sena inoti Mbuya Mulungu (Lord God) kureva Ishe Mwari kana Mambo Mwari. Kimbundu vanoti Unzambi (n. divinity).
- VaRundi vanoti umukiza (Saviour) vachireva muponesi. Mamwe mazwi: gukizwa (to be saved, delivered) vachireva kuponeswa.
- Kinande vanoti eritonda (v. arrange in order). Mamwe mazwi: Katonda (n. God - The arranger - the one who puts things in order, He put all creation in order and in their place after creating them).
- Lozi inoti bupilo (n. life, life-time) kureva hupenyu. Mamwe mazwi: Mun'a Bupilo (Guardian or Master of life, God) kureva mwene wehupenyu ariye Mwari.
- Zande inoti kuari (adj. top) kureva kumusoro. Mamwe mazwi: bari (over, above). Guari (v. rise).