Chisena

Manyika language mabarwe
(runangakatsva kubva kuSena)

Chisena (kana Chibarwe; Sena, Barwe) mutauro weBantu unowanikwa kuMalawi neMozambique. Unozivikwa seChibarwe munyika yeZimbabwe kwaunotaurwa.

Mazwi Anotodza Shona chinjirudza

ChiSena chine mazwi anotodzana neShona akanyorwa pasi aya. Chisena chitaurwa kuMozambique chinosiyana nechinotaurwa kuMalawi pane mamwe mazwi; pano pashandiswa zviperengo zvinoshandiswa munyika mbiri idzi.

  • Sena inoti Mulungu (God) kureva Mwari.
  • Sena inoti Mbuya (Lord) kureva Ishe kana tenzi.
  • Sena inoti dziko (earth) kureva nyika.
  • Sena inoti kudzulu (heaven) kureva kudenga kana kuuzuru.
  • Sena inoti nyakulenga (creator; the one who created) kureva nyakusika. Kalenga izita remhuri.
  • Sena inoti munthu (person; man) kureva munhu.
  • Sena inoti tchetcha (sand) kureva jecha.
  • Sena inoti nyumba (house) kureva imba.
  • Sena inoti mbewu (seed) kureva mbeu.
  • Sena inoti kumwaza (to scatter) kureva kumwaya. Chimwaza izita remhuri.
  • Sena inoti nsiku (days) kureva misi kana mazuva.
  • Sena inoti mphepo (storm; wind) kureva dutu remhepo.
  • Sena inoti kupanga (to tell) kureva kuudza.
  • Sena inoti nyatwa kana tsoka (trouble; suffering) kureva nyatwa.
  • Sena inoti kuchita (to do) kureva kuita.
  • Sena inoti baba (father) kureva baba.
  • Sena inoti mano (teeth) kureva meno.
  • Sena inoti moto (fire) kureva moto.
  • Sena inoti mafuta (oil; perfume) kureva mafuta.
  • Sena inoti mikate (loaves of bread) kureva zvingwa.
  • Sena inoti nsisi (pity) kureva tsitsi.
  • Sena inoti nyabasa (servant) kureva mushandi.
  • Sena inoti chonzi kana conzi (storm) kureva dutu remhepo. Chonzi izita remhuri.
  • Sena inoti kukhuwa (to shout) kureva kukuwa.
  • Sena inoti ntenda (sick person) kureva mudenda kana murwere.
  • Sena inoti chiropa (blood) kureva ropa.
  • Sena inoti cidima (darkness) kureva rima.
  • Izwi rokuti basa (work) ndiro rimwe kuSena nekuShona.
  • Sena inoti vala' kana bvala (to wear) kureva kupfeka.
  • Sena inoti mphamvu kana mphambvu (power) kureva simba kana chisimba.
  • Sena inoti mzinda kana nzinda (town; city) kureva dhoroba.
  • Sena inoti mzimu kana nzimu (spirit) kureva mweya kana mudzimu.
  • Sena inoti mkazi kana nkazi (woman) kureva mukadzi.
  • Sena inoti m'bodzi (one) kureva mumwechete kana mubodzi.
  • Sena inoti mpfuma (wealth) kureva pfuma.
  • Sena inoti pfigu (fig) kureva guyu.
  • Sena inoti fika (arrive) kureva kusvika.
  • Sena inoti kutcherenga kana kucherenga (to become poor) kureva kuita murombo.
  • Sena inoti tsanzaya (to bless) kureva kuropafadza.
  • Sena inoti tsoka (a curse) kureva chituko.
  • Sena inoti tsogolo (to lead) kureva kutungamira.
  • Sena inoti shamwali kana xamwali (friend) kureva shamwari.
  • Sena inoti ashanu kana axanu (five) kureva vashanu.
  • Sena inoti dzanja (hand) kureva chanza.
  • Sena inoti kudjamuka (to be bitter) kureva kuvava.
  • Sena inoti djenje kana dzenje (hole) kureva buri.
  • Sena inoti nsembe kana ntsembe (sacrifice) kureva chipiriso. Muzembe izita remhuri.
  • Sena inoti pansi kana pantsi (downor earth) kureva pasi.
  • Sena inoti Tiyago kureva zita rokuti James.
  • Sena inoti Zuze kureva zita rinonzi Joseph.
  • Sena inoti Djuwau kureva zita rinonzi John.
  • Sena inoti ubale (brotherhood).
  • Sena inoti dzinza (tribe; clan) kureva dzinza.
  • Sena inoti msolo (head) kureva musoro.
  • Sena inoti moyo (life) kureva hupenyu.
  • Sena inoti ufumu kana umambo (kingdom) kureva humambo.
  • Sena inoti lalika (to announce) kureva kuudza. Mararike izita remhuri.
  • Sena inoti longa (to speak) kureva kutaura. Chilonga naChironga mazita emhuri.
  • Sena inoti anyakulima (farmer) kureva murimi.
  • Sena inoti mbuto (place) kureva nzvimbo.
  • Sena inoti taya (to lose) kureva kutaya kana kurasikirwa.
  • Sena inoti mlendo kana alendo (stranger; visitor) kureva mweni.
  • Sena inoti perezo (jail, prison) kureva jeri.
  • Sena inoti meza (table) kureva tafura.
  • Sena inoti chisa (territory, town, village) kureva dunhu kana guta.
  • Sena inoti mudzi (village) kureva musha.
  • Sena inoti mbava (thief) kureva mbavha.
  • Sena inoti bvunza kana vunza (to ask) kureva kubvunza.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Mbatsanzaye ale analira (Matthew 5:4). Blessed are those who cry. Patsanza izita remhuri.
  • <na kuwangisa anthu (Matthew 4.23). and healing people.

Mimwe Mitauro chinjirudza