Chapuku, sinuu (kureva snow; kana futi ritwa, rithlwa kubva kumimwe mitauro ye Chibantu) kana sinowo[1] kutora izwi reChingezi ne Chibhunu. Muchidzidzo cheTaranyika, sinowo imhando yekuturuka kwemvura inoitika munzvimbo dzinotonhora zvakanyanya. Sinowo zhinji inonaya kunyika dzinotonhora dziri kuYuropu (Rhashiya, Vukireni), Ezhiya, neAmerika Maodzanyemba. Mazaya echando anowanikwawo munzvimbo dzakakwirira zvakanyanya segomo reKilimanjaro kuKenya nekumakomo makuru ari kuChile kuAmerika Chamhembe.

Sinowo

Kazhinji sinowo inoturuka kana kuri kutonhora zviri pa 0 Celsius zvichidzika, panova ndipo panogwamba mvura kuita magodo echando. Sinowo yakareruka pahuremu uye painoungana inosiya tuhomwe twemhepo pakati payo tunova tunoita kuti isarema. Munyika dzinotonhora, kune mhuka dzinohwanda musinowo kana chando chasvika izvi zvichidzivirira kutonhorwa nechando kwakanyanya. Mhuka dzakita setsuro neshiri dzinonzi Ptarmigan dzinofukura zvipako zvokuhwanda musinowo; apa sinowo inenge iri kuita semashe ichishanda kudzivira chando zvinoita iye inonzi insulation kuChingezi. Mhuka yakahwanda musinowo inodzivirira chando kupfuura iyo iri pamhene inorohwa nemhepo inovhuvhuta.

Vambo rezita chinjirudza

Chishona hachina izwi rekuti snow nekuti vatauri havana kugara munzvimbo ine snow, saka mutauro we Chishona unotora shoko kubva kumimwe mitauro. Mazwi anobva kuChingezi ndeekuti sinoo kana sinuu, asi izwi rinobva kumitauro ye Chibantu nderekuti ritwa kana rithlwa/rithywa richibva kumitauro iyi: Iqhwa muChizulu, litwa muChilozi, lehlwa muChisutu ne Chitswana.

Zvakanaka kuziva kuti Vashona vanogara padhuze ne Vavhenda, kana Vakalanga vanogona kunge vachishandiswa mazwi avo; kapuku, gambogo kureva snow. Shoko rokuti chapuku rinogona richibva pamwepo.

Nyika dze muAfurika dzine sinoo chinjirudza

Kunyangwe hako kuchisinowa muAfurika, hazviwanzo itika nguva dzakawanda, inyika shoma dzinosinowa muAfurika.

Rumwe ruzivo chinjirudza

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Mitauro yemuAfurika chinjirudza

Mamwe mapeji ekutarisa chinjirudza

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. Vashona, 28 Zvita 2018, "sinoo - snow"
  2. 2.0 2.1 2.2 The world geography, "Nzvimbo dzino nyanyo sinowa mu Afurika" Yatakatariswa: Gumiguru 2021
  3. 3.0 3.1 3.2 3.3 Nenpan Ngwan, "Afurika inosinowa here? Idzi ndizo nyika dzinosinowa muAfurika" Yakatariswa: Gumiguru 2021
  4. Vashona, 30 Chikunguru 2015, 'hwewa - weather'